How i ended up kuhlanyeni
(thread)
Ini nemfes wangu Magwinya taka invitwa ku party yerimwe bhebhi pa brooke apa.Sema ghetto yuts mongoziva pane hwahwa hatishaiki fast fast tatatorova tumasmarts twedu takutoita se team re migos takaita kuchena kunge nyoka takananga kumakombi

Ini nemfes wangu Magwinya taka invitwa ku party yerimwe bhebhi pa brooke apa.Sema ghetto yuts mongoziva pane hwahwa hatishaiki fast fast tatatorova tumasmarts twedu takutoita se team re migos takaita kuchena kunge nyoka takananga kumakombi
Kombi yakarohwa apa tiri mukombi tanga takutopanana tuma nickname twechi vet ka kuti zvisazono markisa kumberi. Magwinya dzanga dzakuzviti Magz. After 30mins ndisu pfee pa venue
Takasvika takatomirirwa vanhu vatotanga tikatongosvika nekuto joina kurova hwahwa nekudya nyama. Hwahwa hwakazoti hwanyatsopinda mu system semaghetto yuts tikati tatanga kutsika majaivhi
4hrs later vanhu vanga vaneta kutamba manje vagara pasi vachirova zvima shisha nekumirira food. Pane akangozouya nema tray 7 ezvima muffins akutoti kuvanhu "those who want to try edibles come get". Ndakutoti kuti "edibles" kangori kazita kechi slang kanongoreva mascones.
Hazvizobudi ka kuita semusingazive pahama dzechirungu takutora 3 3 paya.. ko tanga takutodyira kuguta ka.
Party yakapera takubaya kuden manje.. sandi kurasika kwataiita ikoko apa tanga takuona dzimba dzese kunge dzakafanana zvekuti tai knocker every den tichibvunza kuti "nhaimi munondizivawo here ". Kusvika tazowana jonso ndiye akazotiendesa kudzimba
Ndasvika paden paya ndakuwana momz ichitorova tea, yakunditi tonnie nditorerewo sugar mu kitchen. Semunhu akadhakwa ndakarova action ndikapinda mukitchen ndikauya ne 2kg ye sugar ne teaspoon. Momz vakangonditarisa vakaseka vakuti saka sugar yese iyi wati ndiitisei nayo
Ndopandakatanga kuona kuti ndinenge ndakudhomoka ndikatora 2kg iyandikadzokera nayo ku kitchen. Ndirimo ndokatanga kugaya kuti noo momz vakungoda sugar shoma yekuisa mu tea. Ndakabva ndatora poto ndikadeurira sugar yese imomo ndikasiya inongokwana 3 teaspoons mubepa ndikaendesa.
Hazvina kutora nguva ndakaona patouya mota yekuhlanyeni yatouya apa Magz anga atorimo nakudhara achiputika nekuseka zvake. Ndakutryer kumubvunza kuti ko chikumboitika kwatiri apa iniwo ndainzwa gotsi richipisa. Mhinduro ikashaikwa. Takutogariswa nemapenzi paya....
Mangwana makuseni takabva tatorwa kuenda kuna tests ekuonekwa kuti tichiri kupenga here anenge a passer achirova pasi. Takabva taunganidzwa mapenzi ese tikanzi tiite race yekumhanya kunokwira pamsoro perimwe zidombo tobva tatanga kuita weti. Tikamiswa line kukanzi Go
Vamwe vese vakaenda ini na Magwinya tikasara, zvikanzi ma passer imi chitiudzai kuti masarirei.
Me: hazvina musoro uye hazvina hunhu
Magz: mofunga ndakapusa, mukuda kuti kana ndapamsoro apo ndakuita weti mobva mauya muchidhonza weti yangu ndodonhera pasi.
Me: hazvina musoro uye hazvina hunhu
Magz: mofunga ndakapusa, mukuda kuti kana ndapamsoro apo ndakuita weti mobva mauya muchidhonza weti yangu ndodonhera pasi.